Job 36

1Erihu akaenderera mberi achiti:

2“Imbondiitirai mwoyo murefu kwechimwezve chinguva,
ipapo ndichakuratidzai
kuti pane zvimwe zvakawanda zvokutaura, ndakamiririra Mwari.
3Ruzivo rwangu runobva kure;
ndichati Muiti wangu akarurama.
4Muzive kuti mashoko angu haasi enhema;
akakwana pazivo ari pakati penyu.

5“Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu;
ane simba, uye anozadzisa zvaakaronga.
6Haaregi vakaipa vari vapenyu,
asi anopa vanotambudzika kodzero dzavo.
7Haabvisi meso ake pane vakarurama;
anovagadza pamwe chete namadzimambo
uye anovasimudzira nokusingaperi.
8Asi kana vanhu vakasungwa nengetani,
vakabatwa zvakasimba netambo dzokutambudzika,
9iye anovaudza zvavanenge vaita,
kuti vatadza nokuzvikudza zvikuru.
10Anovaita kuti vateerere kurayirwa,
uye anovarayira kuti vatendeuke pane zvakaipa zvavo.
11Kana vakateerera uye vakamushumira,
vachapedza mazuva avo ose mukubudirira
uye makore avo vari mukugutsikana.
12Asi kana vasingateereri,
vachapera nomunondo,
uye vachafa vasina zivo.

13“Vasina umwari mumwoyo yavo vanochengeta pfundipfundi,
kunyange paanovasunga,
havaridzi mhere kuti vabatsirwe.
14Vanofa panguva yeujaya hwavo,
pakati pezvifeve zvechirume zvepashongwe.
15Asi vaya vanotambudzika anovarwira pakutambudzika kwavo;
anotaura kwavari panguva yokurwadziwa kwavo.

16“Ari kukukwezva kubva pamuromo wenhamo,
kuti akuise panzvimbo yakasununguka isina zvipinganidzo,
pazvivaraidzo zvetafura yenyu izere nezvokudya zvakaisvonaka.
17Asi zvino waremedzwa nokutonga kwakafanira vakaipa;
kutonga uye kururamisira zvakubata iwe.
18Uchenjere kuti parege kuva nomunhu anokunyengera nepfuma;
usarega fufuro huru ichikutsausa.
19Ko, pfuma yako kana kushingaira kwesimba rako
zvingakutsigira kuti urege kutambudzika here?
20Rega kushuva usiku,
kuti ukwekweredzere vanhu kure nemisha yavo.
21Chenjera kuti urege kudzokera kune zvakaipa,
izvo zvaunoda pachinzvimbo chokutambudzika.

22“Tarira, Mwari anosimudzirwa musimba rake.
Ndianiko mudzidzisi akafanana naye?
23Ndianiko akamuratidza nzira dzake,
kana akati kwaari, ‘Makanganisa imi?’
24Rangarira kukudza basa rake,
iro rakarumbidzwa navanhu munziyo.
25Marudzi ose avanhu akariona;
vanhu vanoritarisa vari kure.
26Haiwa, Mwari mukuru kupfuura kunzwisisa kwedu!
Kuwanda kwamakore ake hakuverengeki.

27“Anokwevera madonhwe emvura kumusoro,
anoshanduka achinaya semvura kuhova;
28makore anodurura unyoro hwawo
uye mvura yakawanda inonaya pamusoro pavanhu.
29Ndianiko anganzwisisa kuparadzira kwaanoita makore,
namatinhiriro aanoita ari mudenga rake?
30Tarirai maparadziro aanoita mheni yake pamativi ake,
ichituhwina makadzika megungwa.
31Ndiyo nzira yaanotonga nayo ndudzi
neyaanodziriritira nayo nezvokudya zvakawanda.
32Anozadza maoko ake nemheni
agorayira kuti irove paanoda.
33Kutinhira kwake kunozivisa dutu remvura riri kuuya;
kunyange mombe dzinoratidza kusvika kwaro.
Copyright information for SnaBDSC